Psalms 103

Pisarema raDhavhidhi.

1Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu;
zvose zviri mukati mangu, ngazvirumbidze zita rake dzvene.
2Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu,
uye urege kukanganwa mikomborero yake yose,
3iye anokanganwira zvivi zvako zvose,
uye anoporesa kurwara kwako kwose,
4anodzikinura upenyu hwako kubva pagomba,
uye anokushongedza korona yorudo netsitsi,
5anogutsa zvido zvako nezvinhu zvakanaka,
kuti uduku hwako huvandudzwe sohwegondo.

6Jehovha anoita zvakarurama,
uye anoruramisira vose vakadzvinyirirwa.

7Akazivisa nzira dzake kuna Mozisi,
namabasa ake kuvanhu veIsraeri:
8Jehovha ane tsitsi nenyasha,
anononoka kutsamwa, azere norudo.
9Haangarambi achipomera mhosva,
uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi;
10haatiitiri sezvakafanira zvivi zvedu,
kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.
11Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika,
ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya;
12sokuva kure kwamabvazuva namavirira,
saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri.
13Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo,
saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya;
14nokuti anoziva kuti takaumbwa sei,
anorangarira kuti tiri guruva.
15Kana ari munhu zvake, mazuva ake akaita souswa,
anokura seruva resango;
16mhepo inorova napamusoro paro onei raenda,
uye nzvimbo yaranga riri haicharirangaririzve.
17Asi kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi,
rudo rwaJehovha rwuri pane avo vanomutya,
nokururama kwake kuvana vavana vavo,
18naavo vanochengeta sungano yake
uye vanorangarira kuita zvaakatema.

19Jehovha akasimbisa chigaro chake choushe kudenga,
uye ushe hwake hunotonga zvinhu zvose.

20Rumbidzai Jehovha, imi vatumwa vake,
nemi vane simba vanoita zvaakarayira,
vanoteerera shoko rake.
21Rumbidzai Jehovha, imi hondo dzose dzokudenga,
imi varanda vake vanoita kuda kwake.
22Rumbidzai Jehovha, imi mabasa ake ose
kwose kwose kuno umambo hwake.

Rumbidza Jehovha, mweya wangu.
Copyright information for SnaBDSC